2 Corinthians 12

Chiratidzo chaPauro noMunzwa muMuviri Wake

1Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe. 2Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva. 3Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva, 4akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. 5Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu. 6Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana zvandinotaura.

7Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze. 8Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri. 9Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu. 10Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.

Shungu dzaPauro pamusoro pavaKorinde

11Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu. 12Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru. 13Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku!

14Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana. 15Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here? 16Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano! 17Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri? 18Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete?

19Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe. 20Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso. 21Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.

Copyright information for SnaBDSC